Giriş

This guide will show you how to remove the cylinder that encases the traveling valve and foot valve.

Aletler

Hiçbir alete gerek yok.

Parçalar

Hiçbir parçaya gerek yok.

  1. Ona kuti pombi inoshanda zvakanaka sei nekupomba kwemakumi mana.
    • Ona kuti pombi inoshanda zvakanaka sei nekupomba kwemakumi mana.

    • Pombi inoshanda zvakanaka inofanira kudira mvura inosvika marita gumi.

    Yorum Ekle

  2. Bvisa mapini maviri akabatanidza mubato nechinofambisa mubato.
    • Bvisa mapini maviri akabatanidza mubato nechinofambisa mubato.

    Yorum Ekle

    • Dhonza mibato miviri kubva kune chinofambisa mubato.

    Yorum Ekle

    • Simudza mapini maviri akabatanidza pombi kumusoro nemubato, kubva papombi.

    Yorum Ekle

    • Mudanho rino rose, ona kuti watsigira mubato nemusoro nemaoko matatu kana kupfuura.

    • Buritsa chimutanda chejoinhi kubva muchimusoro.

    • Wongorora chimutanda chejoinhi nemusoro kuti hazvina kusakara kana kukuvara here.

    Yorum Ekle

    • Bvisa musoro nemubato wozviisa panzvimbo yakachena kuti zvisabate utachiona

    Yorum Ekle

    • Simudza mubato mukuru unosimudza pombi zvine simba nemaoko maviri.

    • Chenjerera kuti usadonhedze mubato mukuru unosimudza pombi, nekuti izvi zvinogona kukuvadza humburumbira

    Yorum Ekle

    • Shandisa chipanera chepombi kusunungura pombi inotakura mvura yepamusoro.

    Yorum Ekle

    • Simudza mubato unosimudza pombi nepombi refu.

    • Tenderedza simbi inobata chimutanda chepombi pachimutanda, uye chisunge zvine simba pachimutanda chepombi.

    • Dzikisa pombi refu nemubato unosimudza pombi kuti ugare pane chinobatisa pombi zvakanaka.

    Yorum Ekle

    • Sunungura ubvise bhaudhi rinobata chimutanda chepombi nebhaudhi rechimutanda chepombi pamusoro pemutanda unosimudza pombi.

    Yorum Ekle

    • Bvisa mubato mukuru unosimudza pombi, uye ongorora kuti haina kubvaruka kana kuchembera here.

    • Isa mubato unosimudza pombi panzvimbo yakachena kuitira kuti usabate utachiona.

    Yorum Ekle

    • Bvisa pombi inotakura mvura yepamusoro.

    • Sungirira mubato wakaita saT pamutanda wepombi.

      • Kana uri kuchinja pombi yemvura yepamusoro, siya mubato wakaita saT uripo kusvikira wave kugona kuisa nhengo yekutsiva nayo.

    Yorum Ekle

    • Shandisa chipanera chepombi kusunungura nekubvisa muromo wepombi.

    • Wongorora muromo kuti hapana zvakavhara kana zvingangokonzera utachiona.

    • Isa muromo panzvimbo yakachena kuti usabate utachiona.

    Yorum Ekle

  3. Spread Fixmas Cheer
    Get $12 off your purchase of $50 or more with code FIXMAS12
    Spread Fixmas Cheer
    Get $12 off your purchase of $50 or more with code FIXMAS12
    • Isa chipanera pamusoro perimwe remabhaudhi emubato unosimudza pombi.

    • Tenderedza chimwe chipanera pazasi pebhaudhi.

    • Patsanura zvipanera kuti usunungure bhaudhi.

    • Dzokorora maitiro aya pane mabhaudhi matatu asara.

    Yorum Ekle

    • Bvisa manatsi mana nemabhaudhi akabata mubato unosimudza pombi, uye uzvichengete muchinhu chisina utachiona chakaita semugoro.

    Yorum Ekle

    • Tenderedza chivharo chepombi kusvika pamadhigiri makumi mana nemashanu. Izvi zvinokugonesa kuti ubate zvakanaka chivharo paunochisimudza.

    Yorum Ekle

    • Nyatsosimudza zvakanaka mubato wakaita saT kwemainjisi akawanda.

    • Vamwe vanhu vaviri vakatsigira mubato wakaita saT, bvisa simbi inobatiswa nayo mubato wepombi.

    • Dzikisa mubato wakaita saT zvinyoronyoro kusvikira mubato wepombi wave kumira wega.

    Yorum Ekle

    • Pombi iyi inoshandisa chinotsigira chine makumbo matatu (tiraipodhi) pamwe nezvinodhonza netambo kusimudza pombi refu. Zvipanera zvakaita saC zvinogona kushandiswawo kusimudza pombi refu

    • Nyatsosunga zvakanaka chinosimudzira pombi yemvura kumubato mukuru pasi pemuromo.

    Yorum Ekle

    • Wakachenjerera kuti tambo isatsvedze, shandisa zvinodhonza mubato netambo kusimudza pombi refu kusvikira zvinosimudza pombi zvasvika pane zvinodhonza netambo.

    Yorum Ekle

    • Kana pombi refu yasvika pane zvinodhonza netambo, sunga simbi inosunga nechepasi papombi refu

    Yorum Ekle

    • Batisa simbi inosungiswa pasi kumubato uchishandisa bhaudhi.

    • Bhaudhi rimwechete kazhinji rakakwana kuchengetedza simbi inosungiswa pasi panzvimbo, asi unogona kushandisa rimwe bhaudhi kana uchida kunyatsochisimbisa.

    Yorum Ekle

    • Wakatsigira pamusoro pepombi, nyatsofambisa chinosunga chinosimudza kubva papombi.

    • Dzikisa chinosunga chinosimudza pombi uchidzvanya nechepasi kuti tambo dzisasungane pane zvinodhonza.

    Yorum Ekle

    • Isa nekusunga chinosunga chekusimudzisa kumubato unosimudza pombi kusvika pasi pasi.

    Yorum Ekle

    • Kana chinosunga chekusimudzisa chanyatsosunga, sunga tambo zvine simba.

    • Wakadhonza tambo kutsigira mubato unosimudza pombi, sunungura chinosunga chepasi.

    Yorum Ekle

    • Shandisa tambo kudhonza nekusimudza mubato unosimudza pombi kusvika panokwanisika.

    • Iva nechokwadi kuti tambo iri mutiraipodhi kuti isadonhe.

    • Cherechedza pamusoro petiraipodhi kuti uone kuti pombi refu yanyatsopinda munzvimbo yekutsigira.

    Yorum Ekle

    • Bvisa simbi inosungiswa kubva papombi refu, wodzokorora matanho kubva pamakumi maviri netatu kusvika makumi maviri neshanu kusvikira joinhi yekutanga yave kuoneka.

    Yorum Ekle

    • Kana joinhi yekutanga yave kuoneka, sungisa simbi inosungiswa pasi pazasi pejoinhi.

    Yorum Ekle

    • Bvisa simbi inosungiswa chokusimudzisa kubva pamubato mukuru, wonyatsobatanidza kutiraipodhi kuti isuduruke.

    Yorum Ekle

    • Chengeta chipanera chepombi mainjisi mashoma pamusoro pejoinhi padanho rino.

    • Uchishandisa chipanera, sunungura chidimbu chekutanga chepombi refu kubva pachakabata.

    Yorum Ekle

    • Nyatsovhara pajoinhi kuti mvura isapfachuke kubva nepanobatana simbi kana dzapatsanurwa.

    • Uchishandisa chipanera, sunungura pombi refu kusvikira mvura yatanga kupfachuka ichimwaya kupinda mune chinodzivisa mvura kupfachuka.

    • Usarambe uchisunungura kupfuura ipapo kusvikira mvura yamira kupfachuka.

    Yorum Ekle

    • Bvisa chinovhara mvura kuti isapfachuke, wopedzisa kusunungura pombi refu.

    • Bvisa chidimbu chekutanga chepombi refu nekuchisimudza chakamira mudenga, wakachitsigira pamusoro pechidimbu chacho uye uchiramba wakachiisa mugomba rinochitsigira pamusoro petiraipodhi.

    Yorum Ekle

    • Kochekera nekusunga chekusungisa mutanda mainjisi mashoma pazasi pepanobatana mutanda wepombi wekutanga.

    Yorum Ekle

    • Uchishandisa chipanera chinokwana pakawanda, sunungura mutanda wepombi kubva pachikamu chasara.

    • Kana joinhi raganurwa, nyatsodzikisa pombi refu pasi.

    Yorum Ekle

    • Nyatsodzikisa pombi refu, yakatambarara, woiisa panzvimbo isina hutachiona, kana zvichigona zvakagara panzvimbo yakakwirira kudzivirira kubata hutachiona.

    Yorum Ekle

    • Bvisa mubato wakaita saT kubva mutanda wepombi waganurwa.

    • Kochekera mubato wakaita saT kumutanda wepombi wasara.

    • Bvisa simbi inosungiswa kubva papombi refu, wodzokorora matanho kubva pamakumi maviri nepfumbamwe kusvika makumi matatu neshanu kusvikira pombi refu yabva yose, kana kuti kusvika chikamu chakadamburwa chasvikwa.

    Yorum Ekle

    • Iva nechokwadi kuti humburumbira haiende pasi kudzivirira hutachiona

    Yorum Ekle

    • Uchishandisa zvipanera zviviri zvepombi, sunungura humburumbira kubva papombi refu.

    Yorum Ekle

    • Donza humburumbira yacho zvinyoronyoro kubva pamutanda wepombi, uchiisa pachena vharuvhu yekumusoro nevharuvhu yepasi pemugodhi wemvura.

    Yorum Ekle

Sonuç

Kuti ubatanidze mudziyo wako, tevedzera mirayiro uchitanga nekwekupedzesera.

iRobot

Üyelik tarihi: 24-09-2009

1 İtibar

623 adet Kılavuz yazıldı

0 Yorum

Yorum Ekle

İstatistikleri Görüntüle:

Son 24 Saat: 0

Son 7 Gün: 1

Son 30 Gün: 1

Her zaman: 64