Giriş

Tevedzera gwaro rino rekurayira kubvisa nekutsiva kana kugadzira muromo wepombi yemvura.

Aletler

Hiçbir alete gerek yok.

Parçalar

Hiçbir parçaya gerek yok.

Ona kuti pombi inoshanda zvakanaka sei nekupomba kwemakumi mana.
  • Ona kuti pombi inoshanda zvakanaka sei nekupomba kwemakumi mana.

  • Pombi inoshanda zvakanaka inofanira kudira mvura inosvika marita gumi.

Yorum Ekle

Bvisa mapini maviri akabatanidza mubato nechinofambisa mubato.
  • Bvisa mapini maviri akabatanidza mubato nechinofambisa mubato.

Yorum Ekle

  • Dhonza mibato miviri kubva kune chinofambisa mubato.

Yorum Ekle

  • Simudza mapini maviri akabatanidza pombi kumusoro nemubato, kubva papombi.

Yorum Ekle

  • Mudanho rino rose, ona kuti watsigira mubato nemusoro nemaoko matatu kana kupfuura.

  • Buritsa chimutanda chejoinhi kubva muchimusoro.

  • Wongorora chimutanda chejoinhi nemusoro kuti hazvina kusakara kana kukuvara here.

Yorum Ekle

  • Bvisa musoro nemubato wozviisa panzvimbo yakachena kuti zvisabate utachiona

Yorum Ekle

  • Simudza mubato mukuru unosimudza pombi zvine simba nemaoko maviri.

  • Chenjerera kuti usadonhedze mubato mukuru unosimudza pombi, nekuti izvi zvinogona kukuvadza humburumbira

Yorum Ekle

  • Shandisa chipanera chepombi kusunungura pombi inotakura mvura yepamusoro.

Yorum Ekle

  • Simudza mubato unosimudza pombi nepombi refu.

  • Tenderedza simbi inobata chimutanda chepombi pachimutanda, uye chisunge zvine simba pachimutanda chepombi.

  • Dzikisa pombi refu nemubato unosimudza pombi kuti ugare pane chinobatisa pombi zvakanaka.

Yorum Ekle

  • Sunungura ubvise bhaudhi rinobata chimutanda chepombi nebhaudhi rechimutanda chepombi pamusoro pemutanda unosimudza pombi.

Yorum Ekle

  • Bvisa mubato mukuru unosimudza pombi, uye ongorora kuti haina kubvaruka kana kuchembera here.

  • Isa mubato unosimudza pombi panzvimbo yakachena kuitira kuti usabate utachiona.

Yorum Ekle

  • Bvisa pombi inotakura mvura yepamusoro.

  • Sungirira mubato wakaita saT pamutanda wepombi.

    • Kana uri kuchinja pombi yemvura yepamusoro, siya mubato wakaita saT uripo kusvikira wave kugona kuisa nhengo yekutsiva nayo.

Yorum Ekle

  • Shandisa chipanera chepombi kusunungura nekubvisa muromo wepombi.

  • Wongorora muromo kuti hapana zvakavhara kana zvingangokonzera utachiona.

  • Isa muromo panzvimbo yakachena kuti usabate utachiona.

Yorum Ekle

Sonuç

Kuti ubatanidze mudziyo wako, tevedzera mirayiro uchitanga nekwekupedzesera.

iRobot

Üyelik tarihi: 24-09-2009

1 İtibar

774 adet Kılavuz yazıldı

0 Yorum

Yorum Ekle

İstatistikleri Görüntüle:

Son 24 Saat: 0

Son 7 Gün: 0

Son 30 Gün: 0

Her zaman: 92